Chindebele (chekuMaodzanyemba)
From Wikipedia, the free encyclopedia
Chindevere (mumutauro mavo vanoti Sindebele; Nge. Northern Ndebele) kana Chindevele pa Chishona, mutauro we Chibantu unowanikwa munyika dzinoti: Zimbabwe, Afurika Chamhembe neVutswana. Kunonzi zita rokuti Ndevele rinobva pakuti teba, zvichireva kunyura kumutauro weChitswana nokuti varwi veChindevele vainyura seri kwenhoo dzavo panguva yekurwisana nemuvengi. Chindevele mutauro we Chinguni izvi zvinoreva kuti unonzwisisika kuvamwe vanotaura mitauro yechiNguni (kwete mitauro dzese) sezvinoita mitauro yechiShona. Chindevele chinonzwisisika kune vanhu vanotaura Chizulu, Chixhosa kana Chiswati, asi Vazulu ndivo vanonatso nzwisisa Chindevele nekuti munhoroondo Chindevele chaive Chizulu, asi pavakazo paradzana ndipo pakasikwa Chindevele ne rusinga rwe Vandevele .
Chindevele chekuMaodzanyemba (chemuZimbabwe) chakasiyana ne Chindebele chekuAfurika Chamhembe.