Duramahwi
From Wikipedia, the free encyclopedia
Tarisai futi peji re: Mashoko eChishona akabva kumumwe mitauro
Duramahwi (ku Chingezi: Dictionary; Chindevere: Isichazamazwi) Duramaswi kana Duramazwi: Chinyogwa chinounganidza mahwi kana kuti mazwi ese emutauro, senge mutauro wedu weChishona. Duramahwi rinodudzira zvese zvinoreva ihwi/inzvi rimwe nerimwe, chichibetsera avo vanosangana nemahwi avasingazivi zvaanoreva kana manyorego awo kuti vadzidze izvi.
Pamusoro pezvo, pakazhinji mazwi anowanikwa mukati meduramazwi anowanzo nyorwa achiteera bumbiro remabhi, kubva kuna A kuzvika kuna Z, zvichienderana nebumbiro remabhi reChishona.