Mehiko
nyika mu North America / From Wikipedia, the free encyclopedia
Mehiko (kureva Mexico) kana Mekgiko/Mekxiko, pachihofisi ichinzi Mubatanidzwa weMavuso eMehiko, inyika iri chidimbu chekuchamhembe kwe Amerika Maodzanyemba. Yakaganhurana ne Mubatanidzwa we Mavuso; kuchamhembe ne kumadokero neGungwa re Pasifiki; kuchamhembechemabvazuva ne Gwatemala, Bhelize, uye Bhahari re Karibhi; uye kumabvazuva ne Gahwi re Mehiko. Mehiko inofukidza 1,972,550 skweya makiromita (761,610 sk mi), zvichireva kuti ndiyo nyika yechigumitatu pakukura pasirose ne ruwa; neufungidzirwa we 126,014,024 wehuwandu wevagari, ndiyo nyika yechigumi pakati pedzimwe nyika dzine huwandu huzhinji hwevagari vanotaura Chispeini. Mehiko irudhende rwe rufedherari rwakarongeka rwune mavuso 31 uye Guta Mehiko ndiro gurarimodza rayo. Mamwe maruwa eebheni anosanganisa Mondereyi (kureva Monterrey), Gwadhalahara (kureva Guadalajara), Pwebla (kureva Puebla), Toluka (kureva Toluca), Tihwana (kureva Tijuana), Siwudhadha Hwarezi (kureva Ciudad Juárez), uye Rewoni (kureva León)
Guta guru racho iMexiko City.
Vanhu vekuMehiko vanonzi Vamehiki uye munhu mumwechete anonzi Mumehiki/Mmehiki.