Chindeya
From Wikipedia, the free encyclopedia
Chindeya (kuChingezi: Planet) kana zvindeya pahuwandu, muzvidzidzo zvinoti: taranyika; jekanyika; fundoyetsimba, izita rinomirira mitumbi inopoterera zuva. Nyeredzi imwe neimwe ine boterero rainofamba mariri ichipoterera zuva.
Zvindeya zvinosanganisira mitumbi inoti: Nyamatsatse (Mercurius)[1][2]; Hweva (Venus)[1][3][4]; Rinopasi (earth); Murongazuva (Mars)[1][5]; Vhenekeratsvimborume (Jupiter)[1][6]; Chirema (Saturnus)[1][7]; Rivusamatenga (Uranus) neNyn'aimamushana (Neptunus). Izvi ndizvo zvindeya zvine maboterekwa anopoterera zuva ratinoona rinobuda nokunyura panyika yatigere. Kubatanidzwa kwezvindeya idzi pamwe nezuva kunodanwa muChishona kunzi Mutandiro weMushana (kureva solar sytem kuChingezi) iro shoko rokuti mushana richimirira zuva ratinozambira panyika.
Mutumbi we Njondi (pluto) waimboverengerwa sechindeya asi zvakazoshandurwa neKubatana kwePasirose kweZvechadenga (IAU; International Astronomical Union). Iye zvino Njondi yave kuverengerwa sechindeyana kana nyedzana.