Horamvura
From Wikipedia, the free encyclopedia
Pachinyorwa chino, izwi rokuti horamvura riri kushandiswa kuturikira chinonzi aquifer kuEnglish. Aquifer inzvimbo inochengeta mvura pasi pevhu, iyo yakaumbika semukoto uri pakati pemaware emabwe asingabvinine. Mvura ikange yanaya munzvimbo dzine vhu nemabwe anobvinina, inonyura kupinda pasi ichinoungana yasvika pane dombo risingabvinine. Kune mamwe matunhu mabwe anobvinina anopinda pasi pevhu ari mukoto wakatanangirwa pakati pemabwe asingatenderi kusinina kwemvura - zvoreva kuti mvura inodzika yosvika payakamanikwa isina mukana wekukwira kana kudzika. Mvura iri muhoramvura inokwanisa kubatwa kana kwacherwa mugodhi unodhuurwa maware emabwe ari kumusoro kwemukoto wakanwirira mvura yekunaya - mugodhi kana tsime rerudzi urwu rinonzi artesian well kuEnglish. Asi kana pasina kucherwa nekudhuura mamaware emabwe akakwidibira nechekumusoro, mvura iyi inorarama mumukoto uyu makore mazhinji isina kwainoenda. Pakaitawo mutswe mumaware emabwe, mvura iyi inokwanisa kubuda sechisipiti.