Humwe
From Wikipedia, the free encyclopedia
Humwe, gumwe kana nhimbe (hoeing bee, cooperation in field work) - Munyika yeZimbabwe mumaruva, mune tsika yakatanga kare kare iyo masahwira nemhuri dzakavakidzana dzaikokana kubetserana mabasa akaita sokurima, kushakura kana kuvaka dzimba. Basa rinoitwa nevanhu vanokokwa ava ndiro rinonzi humwe. Mazuva ano, ruzhinji mumaruva runoshandisa shoko rokuti mushandirapamwe panzvimbo yeshoko rokuti humwe. Vanhu vanozvipira kushandira humwe havatarisiri kuwana mugove kubva mubasa ravanenge vaita.
Kana kuchirehwa munhu anoshandirana nevamwe mune zvakarurama vamwe vatauri vanoti humwe kana kuti mukutsirani.
- Chirovamatsa kana chikumura idoro rekutanga rinonwiwa panhimbe yekusakura munda.
Apa vanhu vomunhuraunda vanoungana kuti vabatsire munhu ava koka.