Hupenyu
From Wikipedia, the free encyclopedia
Mazwi anoti ndaramo, huraramo kana hupenyu (life) anotaurwa pamusoro pezvinhu zvakacherechedzwa kuti: zvinorarama; zvinotsvaga kudya; zvinoberekana; zvinokura kana kukwegura uye zvinofa. Pane zviitiko zvitanhatu zvinotsawuranisa zvinhu zvipenyu nezvinhu zvisina upenyu. Zviitiko izvi zvinowanikwa muzvinhu zvose zvine hupenyu asi hazviitike pazvinhu zvisina hupenyu.Kuva nehupenyu kunotaridzwa nezviitiko zvinosanganisira:
- Kutsvaga chokudya.
- Kushandudza simba kubva kumhando imwe kuenda kune imwe.
- Kurasa tsvina dzemuviri.
- Kubereka vana.
- Kusamhuka nekunhadzirisa nhengo dzemuviri. Apa kureva kukura miviri.
- Kufambisa mishonga inodiwa nemuviri.
Izwi rokuti ndaramo rinoshandiswa zvakare kutaura chinonzi safety kuEnglish apa kurevera Kati zviri kuitwa hazvina njodzi, hupenyu hwevanhu hunochengetedzwa. Nokumwe kutaura tingati rudekaro!!!