Madora
From Wikipedia, the free encyclopedia
Madora, masodya kana mashonja (mopani worms) imhando yechikonye chinowanikwa kunyanya pamuti unonzi mupani anodyiwa muZimbabwe. Madora anokohwewa zvakanyanya kumatunhu eMatebeleland, asi anowanikwa kune mamwewo matunhu.
Madora achinge akohwehwa kubva pamiti, anosvinwa kuburitsa zviri muhura hwawo. Zvinogona kuti madora anobikwa ari manyoro kudaro kana kuti anoomeswa pazuva.
Kubikwa kwemadora anokangwa mumafuta kudzamara onhuwira kuibva kwawo. Zvichinge zvaitika kuti madora abikwa mushure mokunge amboomeswa, zvinenge zvakanaka kuti amboiswa mumvura kuitira kuti apfave ozokangwa mumafuta sezviri pamusoro.