Roora
From Wikipedia, the free encyclopedia
Roora (Chikaranga: rovora, isiNdebele: Lobola) muripo unobviswa nomunhurume kana achinge ave kuda kugara nomunhukadzi. Roora izwi rinoshandiswa zvikuru muChizezuru. Rinowanikwawo mumarudzi mazhinji mitauro yevanhu vedzinza echi[[Vashona|Shona}} akaita seChikaranga (rovora) kana Chianyika.
Roora rine zvikamu zvakawanda zvinosanganisira Makandinzwanani, Matekenyandebvu, Kunonga, Kupinda mumusha uye Rusambo. Pane zvimwe zvakawanda zvinobviswa zvichienda nekuti vanhu ndeverudzi rwupi. Roora ndiyo nzira yaVashona yekubatanidza mhuri mbiri zviri pamutemo kupfurikidza newanano. Roora inzira yevakuwasha yokutenda nayo madzitezvara avo nekuvaberekera mudzimai. Vashona vanoti ukama igasva hwunozadzikiswa nekudya naizvozvo hukama pakati pemhuri mbiri idzi hunototangwa nekudya pamwe chete. Semuenzaniso, kana iri mhuri yekwaChinyati yanoroora kwaChinyuku, inotarirwa kutakura zvidyiwa zvakasiyana siyana nezvimwewo zvekuti mhuri yekwaChinyuku igosara ichishandisa. Madzitezvara anosanotumira vakuwasha rugwaro rwunotaridza mhando yezvitakurwa (groceries) izvi. Muenzaniso wezvitakurwa unosanganisira chingwa, munyu, tsvigiri, sipo, masamba, nyama, zvinwiwa, mukaka nezvimwewo. Mhuri mbiri idzi dzinoungana pamabiko, uri mutambo wekuroodza mwanasikana.
Mazuvano, nekuda kwehudyire, zvakuonekwa sekunge roora kana kuti mari dzinobviswa nemukoma ada musikana semari yekutanga mabhindauko kana kuti dzemabhisimisi. Vabereki vazhinji vava kuda kupfuma pakubvisirwa roora pane kuti pange pachivakwa ukama. Hazvitarisirwe pararamo yedu kuti zvinge zvakadai asi kuti roora riwanikwe riri chikamu chekuvaka hukama pane vadanana.