Vashona
From Wikipedia, the free encyclopedia
Vashona kana Washona (kare: Vakaranga, Vahungwe) vanhu vedzinza reBhantu rinowanikwa kuChamhembe che Afurika kunyanya munyika ye Zimbabwe (kwavanoumba 85% yehuwandu hwevanhu). Vashona vanowanikwa muAfurika, Afurika ye Pakati, Mabvazuva e Afurika nekuChamhembe che Afurika. Vamwe vaShona vanowanikwa munyika senge kuMozambiki, Bhotswana, Zambia neAfurika Chamhembe uye Kenya.
|
Vane mhuri shanu dzakakura, uye vari pedyo nemamwe mapoka ane tsika nemitauro yakafanana. Madzinza makuru echiShona anosanganisa: Vazezuru, Vamanyika, Vakorekore, Vandau neVakaranga. Madzinza asingataurwe pakaruzhinji echiShona anosanganisa: Vahungwe, Vadoma, Vabuja, Vambire. Madzinza echiShona anonzi akazvarwa kubva kuMakalanga, munguva yekupesana kwakaitika pakuwa kweUmambo hweMapungubwe, uye Vashona vakange vasina zita rekunzi Vashona kusvika kuma1900s pavaka pihwa zita naClement Doke. Pamusoro pezvo, madzinza akasimbiswa nekuda kwegara mumatunhu akasiyana uye nekukanganiswa nemamwe marudzi eBantu aiuya achigara pakati pavo. Vanhu vechiShona vakasiyana asi vanokwanisa kunzwisisana kana vachitauro sezvinoita vanhu vechiNguni (Madebele neMazulu, kana Maxhosa neMaswati). Zvakanaka kuzivisana kuti kunyangwe vamwe vachinzwisisana, pane mashoko uye matauriro akasiyana, nekuda kwemanyorerwo; Chikalanga (chinoshandisa 'L' panoshandiswa 'R' uye chinoshandisa 'b' panoshandiswa 'v' muShona uye 'zw' panoiswa 'zv').
Madzinza echiShona ane hukama huri pedyo neVavhenda (Venda), Vakalanga (Bakalanga), Vabarwe (Vasena), Vataraote (Vadharaunda), neVatonga. Zviripachena munhoroondo yakagovaniswa yeMapungubwe kana Umambo hweZimbabwe uye nekutenda muna Mwari (Shona), Nwali (Venda) naMwali (Kalanga). Uye vanogovana nhoroondo neVashangani neVatsonga nekuda kwekugara panzvimbo imwechete.
Muchinyakare vanhu vairoora vanhu vemamwe madzinza, uye paipinda rimwe dzinza vaizama kutonga rimwe, sezvakaita Vazulu => Vandebele kuVashona. Vamwe Vashona mukuratidzika mavo vane maziso akavhara (epicanthal folds/monolids), nekuda kweMakhoisan, nekuti pakapinda nekugara kweMashona muZimbabwe nzvimbo yacho yakange yakagarwa neVakhoisan kudhara. Vamwe Vakhoisan vakabva vamwe vakagara (vachirimo munyika yeZimbabwe nhasi), vakasara pakati pavo vamwe vakaroorana neVashona (intermariage), zvakakonzera kuti mamwe Mashona vataridzike seVakhoisan nekuti maziso akavhara ijini rinotonga kwete kutongwa. (Epicanthal folds are a dominant gene not recessive). Izvi zvinoratidzika kuMaNguni emuSouth Africa (zulu, xhosa etc.) futi, asi vakatora zvinodarika mataridziko chete nekuti vakasanganisa kudzvanya kweMakhoisan mumutauro wavo.